2 Chronicles 2

Kugadzirira kuti Temberi ivakwe

1Soromoni akada kuvaka temberi yeZita raJehovha uye nomuzinda wakewo. 2Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo.

3Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire:

“Nditumireiwo matanda emisidhari sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi pamakavatumira misidhari yokuvakisa muzinda wavo kuti vagaremo.
4Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuhwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi.

5“Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose. 6Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange mumatenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake?

7“Saka zvino nditumirewo, murume ano unyanzvi hwokushandisa goridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi uye nemicheka yepepuru nemitsvuku neyebhuruu, ane ruzivo rwezvokuveza kuti ashande muJudha neJerusarema pamwe chete navarume vakachenjera vakasiyiwa naDhavhidhi baba vangu.

8“Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emiarigumi kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako 9kuti ndiwane matanda mazhinji kwazvo nokuti temberi yandichavaka inofanira kuva huru uye yakanaka zvikuru. 10Ndichapa varanda vako vachatema matanda, zviyero zviuru makumi maviri
makirorita angaita 4,400
zvegorosi, zviyero zviuru makumi maviri zvebhari, mabhati ewaini zviuru makumi maviri
makirorita angaita 440
uye mabhati amafuta omuorivhi zviuru makumi maviri.”

11Hiramu mambo weTire akapindura netsamba kuna Soromoni akati:

“Nokuti Jehovha anoda vanhu vake, akakuita mambo wavo.”

12Uye Hiramu akaenderera mberi achiti:

“Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe iye akaita denga nenyika! Akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, azere noungwaru nokunzwisisa, achavakira Jehovha temberi uye uye achazvivakirawo muzinda wake.

13“Ndiri kukutumira Hurami-Abhi murume ano unyanzvi kwazvo. 14Mai vake vaibva kuDhani uye baba vake vaibva kuTire. Akadzidziswa kushanda negoridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi, matombo namatanda uye nemicheka yepepuru neyebhuruu, nemitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. Ane ruzivo mukuveza kwamarudzi ose uye anogona kuveza achiteedzera zvose zvaanenge arayirwa. Achashanda nemhizha dzenyu pamwe chete nedzaishe wangu Dhavhidhi baba vako.

15“Zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi nebhari namafuta omuorivhi newaini zvamakavimbisa, 16isu tichatema matanda ose kubva kuRebhanoni omuonde uye tichaaeredzesa pamagwa nemugungwa achidzika kusvika kuJopa. Munogona ipapo kuzoatora moaendesa kuJerusarema.”

17Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva muIsraeri mushure mokuverengwa kwavanhu nababa vake Dhavhidhi; uye vakawanikwa vari zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu. 18Akarayira zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamatombo uye zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo muzvikomo, uye zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri pamusoro pavo kuti vanhu varambe vachishanda.

Copyright information for SnaBDSC